Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 175 Sedera mweya wangu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 175 Sedera mweya wangu Lyrics

 

Sedera, mweya wangu.
Uya kuna She wangu,
Uya sezva wakaita.
Usanange panorufu,
Sedera, mweya wangu.

Zvicheme, mweya wangu,
Zvose zvitadzo zvangu;
Zvakaipa zvinonyadza,
Asi ini ndichinazvo,
Zvicheme mweya wangu.

Namata mweya wangu,
Uya kuMununuri;
Daidza iwe kuna She
Anonzwa iye kudenga;
Namata, mweya wangu.

Vimbazve, mweya wangu,
Tenda kuna She wangu;
Wakambouya panyika
Kuti ndiende kudenga;
Vimbazve, mweya wangu.

Pembera, mweya wangu
Pano M’ponisi wangu;
Wakauya kundifira,
Ndakaregererwa naye;
Pembera, mweya wangu.

 

Exit mobile version