Shona Methodist Hymns
Hymn 105 Ndakanga ndakundikana Lyrics
Ndakanga ndakundikana
Nokuipa kwenyika,
Ndakachema ndakuvadzwa
Ndapererwa nesimba;
Asi Mwari wakandinzwa
Akandigamuchira.
Uyaiwo vakaneta
Nokuda kwezvitadzo,
Vanoshonha navakorwi,
Vashinhwi navatuki,
Uyaika munodanwa,
Munoshovedzwa mose.
Siya nyika urarame,
Tura mutoro wako,
Tora jokwe rakanaka,
Udzidze kuna Jesu,
Hapana mumwe M’ponisi
Saka uya kwaari.
Kwaari kuno kupona,
Pamwe nokuzorodzwa,
Rufaro, ruregerero
Simba idzva zviripo;
Nemi madaidzwa naye,
Uyai muponiswe.