Shona Baptist Hymns
Hymn 7 Ndiani Kudanga ‘Ko
1
Ndiani kudanga ’ko,
Unogwadamirwa ’po?
KORASI
Ndiye She wesimba rose,
Ndiye She wavanhu vose;
Ngatimugwadamirei,
She wavashe tikudzei!
2
Ndiani musango ’mo,
Wozvinyima kudya ’po?
3
Ndiani wochema wo
Pakavigwa Razaro.
4
Ndiani kumunda ’ko,
Unonyengetera ‘po?
5
Napachinjikano wo,
Ndiani wofira ’po?
6
Ndiani womuka zve,
Unotipa rugare?
7
Ndiani kudenga ’ko,
Unobata ushe ’po?