Shona Baptist Hymns
Hymn 50 Pam’chinjikwa
1
Ndaigara muzvivi zvangu,
Ndakaramba nyasha dzaKristu,
Handina kukudza She Jesu
Pam’chinjikwa.
KORASI
She wakandipa nyasha huru,
Wakaregera zvivi zvangu,
Wakabvisa mutoro wangu
Pam’chinjikwa.
2
NeShoko raShe ndabatsirwa,
Ndanzwisisa nzira kudenga,
She Jesu ndamugamuchira
Pam’chinjikwa.
3
Ndatozvipira kuna Jesu,
Zvino wava wo mambo wangu,
Ndinorumbidza Jesu Kristu
Pam’chinjikwa.
4
Rudo rukuru rwandinatsa,
Nyasha dzaShe dzandiponesa,
Zvivi zvangu wo zvatobviswa
Pam’chinjikwa.