Shona Baptist Hymns
Hymn 5 Kure ‘Ko Mudanga
1
Kure ’ko mudanga, hakuna nhoo;
KaIshe, ndiJesu, kazorore ’mo;
Nyeredzi dzedenga dzakatarisa;
KaIshe, ndiJesu, karere mu’swa.
2
Mombe dzinozeya; Mwana wamuka;
KaIshe, ndiJesu, hakambochema;
Ndinokudai, Jesu; tarisai pasi,
Nokundichengeta usiku hwose.