Shona Baptist Hymns
Hymn 148 Jesu Anondida
1
Jesu anondida; shoko rake ndanzwa;
Vana, anovada; simba, anovapa.
KORASI
Jesu wandida; Jesu wandida;
Jesu wandida; ishoko randanzwa.
2
Jesu anondida; ndiwakandifira;
Wakandigadzira pandichandokwira.
3
Jesu anondida; uri pedyo neni;
Kana ndobva pano, ndondogara naye.