Shona Baptist Hymns
Hymn 144 Endai Kuna Vanhu Vose
1
Vazhinji ‘po vasingazivi Jesu,
Havanzwisisi nzira kudenga,
Ndivanani vachavaudza zvaShe,
Vaponeswe naShe iko zvino?
KORASI
Endai kuna vanhu vose,
Endai kuna vanhu vose,
Jesu wakapiwa wo,
Simba rose ‘po,
Tarirai anesu tose!
2
Tarisa-i, tapiwa nguva zvino,
Yokuenda tizivise vose;
Mukai zvino, tiudze vose pano,
Vaponeswe, vatevere Ishe.
3
Nemhaka yei muchafa pasi pano,
Muende ’ko kugomba romwoto?
Jesu Kristu wakatifira tose,
Tiende kudenga norufaro!
4
Ngatiendei, kuti vose vauye,
Vaimbe wo rumbidzo kuna She,
Isu tose tichafara zvikuru
Pamberi paJesu Kristu Ishe!