Shona Baptist Hymns
Hymn 133 Ndosanga Sei NaJesu
1
Ndosangana sei naJesu?
Ndichandomuvigirei?
Handina mumwe wokupa,
Zuva rimwe; ndoitei?
KORASI
Ndosangana sei naJesu?
Ndichandomuvigirei?
Zvandisina mumwe oga
Kundoisa kuna She!
2
Handichatyi rufu ini,
Zvandarwirwa wo naye;
Bva ndonyara zvandisina
Chandingavigira She.
3
Dai makore okuchinya
Ndaiadzoserwa zve,
Ndaiapa Jesu wangu,
Ndaiterera iye!
4
So, mutendi, usazeza;
Muka, chibatira She;
Shingairira vatadzi,
Rwisa kuvadzosa zve!