Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 12 Hareruya Muponesi Lyrics

Shona Baptist Hymns

Hymn 12 Hareruya Muponesi

1
Jesu, mwana waMwari,
Wakasvika kwatiri,
Kuti abvise zvivi;
Hareruya! Muponesi!

2
Wakatukwa nesu wo,
Nokuda kwezvitadzo,
Tipiwe kanganwiro;
Hareruya! Muponesi!

3
Wakafira vatadzi,
Andichenese ini,
Zvino ari naMwari;
Hareruya! Muponesi!

4
Achadzoka panyika,
Achamutsa vakafa,
Tichaimba kudenga;
Hareruya! Muponesi!

Exit mobile version