Shona Baptist Hymns
Hymn 115 Tipeiwo Rumutsiriro, She
1
Tipeiwo rumutsiriro, She;
Vanhu vakarashwa muzvivi;
Shoko renyu ngarisimbiswe,
Tishandiswe, She, nemi.
KORASI
Tipeiwo mwoyo mitsva;
Tipeiwo mwoyo mitsva;
Tipeiwo mwoyo mitsva;
Tishandiswe, She, nemi.
2
Tipeiwo rumutsiriro, She,
Kuti tiswededzwe kwamuri;
Tinoda kutendeuka zve,
Tishandiswe, She, nemi.
3
Tumirai kuna vanhu vose
Rumutsiriro, Jesu, nhasi,
Vaponeswe kubva muzvivi,
Tishandiswe, She, nemi.
4
Rumutsiriro ngarutange,
Vose vasingakutadzirei;
Mifaro yenyu youya wo,
Tishandiswe, She, nemi.