Shona Baptist Hymns
Hymn 108 Mwenje Yedenga
1
Ndofamba naShe mazuva ose,
Chiedza chake chinopenya;
Jesu wakati, “Ndinewe kwose
Kwaunoenda pano apa.”
KORASI
Mwenje yedenga, mwenje yedenga,
Inozadzisa mweya wangu!
Hareruya! Ndinorumbidza,
Ndakaponeswa; She ndowangu.
2
Kunyange Satan’ anondinetsa,
Jesu aneni misi yose;
Iye chiedza chenyika yose,
Ndichatevera mwenje yake.
3
Kunyange rufu ruchandibata,
Ndichatakurwa kudenga ’ko;
Asi mis’ yose pano panyika
Ndichamukudza nomufaro!