Shona Anglican Hymn 83 Imi vadaviri
1. Imi vadaviri
Farirai mese,
Mwari waponisa
Israeri wake
Vanhu vakasungwa
Kare ndiye Faro,
Vakabira Nyanza
Vakasunungurwa
2. Imbirai Kristu,
Waparura guva,
Achibuda nhasi
Zuva rine mbiri;
Dima rechitadzo
Ndiye waridzinga
Ruvheneko rwedi
Rwativhenekera.
3. Musi wokumuka,
Musi wokupenya;
Tafariswa ndiwe,
Wapedzisa nhamo.
Kuna Mambo wedu,
Wakurira kufa,
Zvino Ngatiimbe
Tese Areruya.