Shona Anglican Hymn 66 ‘Po Jesu akaroverwa
1 PO Jesu akaroverwa
Pakati pavatadzi
Gororo paMuchinjiko
Rakati kuna Jesu
Zvibatsirewo iwe
Uponise nesuwo.
2. Imwe mbavha yopindura,
“Rega tatadza tose;
Uyu haana kutadza;
Ndimudzidzisi wedu;
Rega kumbomutuka
Munhu mutsvene uyu.
3. Jesu ishe ndakuteta
Munditonderewo
M’ushe hwenyu hwokudenga
Apo munosvikamo.”
Jesu akapindura,
Ndichakugashiramo.
4. Nhasi uchazova neni
Muparadesi umo;
Kana tafa pamwe chete
Tichazogara umo;
Vese vanopinduka
Vanopinda kudenga.