Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 48 Vanhu vaiva mudima Lyrics

Shona Anglican Hymn  48  Vanhu vaiva mudima

 

VANHU vaiva mudima
Vapenyiswa zvino;
Kupenya kwavhenekera
Vaiva mukufa.

Kuzochingamidza zuva
Ndudzi dzaungana;
Dziri kufara pamwepo
Kudana vakohwi.

Ngekuti dzasunungurwa;
Dzaponiswa dzese;
Dzapiwa simba rokurwa
Nezvitadzo zvese.

Zvo tapiwa Mukorore,
Tabarirwa Mwana;
Simba redenga nepasi
Ngerake narini.

Muchinda woRunyararo
NaTenzi Mugari,
Munanisi, Mureveri,
Mwari, Zita rake.

Umambo hwake huchava
Pamsoro pezvese,
Kutongazve noungwaru
Hazvizogumiba.

Tinokutondera Jesu
Nokupfava kwako,
Ugere pamwe naBaba
Naye Munyaradzi.

Exit mobile version