Shona Anglican Hymn 41 Imi Ngirosi makabva
IMI ngerosi makabva
Munzvimbo yokupenya,
Munoparidzira kuti
Kristu wakaberekwa,
Omberai,
Kristu wakaberekwa.
Vafudzi! Muri kugara
Musango nousiku,
Munopiwa chioniso,
Kuti Mwari anesu:
Vazivi pamabvazuva
Muchirinda ngekutya;
Kuchasvika garegare,
Tenzi wenyu paumba;
Chita chese chekudenga,
Imbai ndwiyo dzenyu,
Musimudze mazwi ese,
Kuna Mwari Mukuru;