Shona Anglican Hymn 40 Imi Makristu mese pepukai
IMI Makristu mese pepukai
Tenzi Jesu wakabarwa nhasi,
Ngatiombere rudo rwakadai
Taudzwa ngehondo dzengerosi
Nadzo soko rakatanga pas
Mwari wakabarwa neMhandara.
Ngerosi yati kuna vafudzi
Ndine masoko okufarisa
Muponisi wabarirwa imi
Nendudzi dzese dzeiri pasi,
Chitsidzo chakapiwa kunesu
Chaitwa nhasi ndiMwari wedu
Soko rapera: ndipo ngerosi
Dzese dzaimbisa rwiyo rutsva
Kukudza rudo rwatiponisa
Denga rafara rese ngerwiyo:
Mbiri kumusoro kuna Mwari
Norugare pasi kune vanhu.
Avo Vafudzi vamhanya kwazvo
Vasvika Beterehema uko
Apo vaona Mwana M’ponisi
NaMai nomureri Josefa:
Ndizvo vaombera Tenzi Jesu
Nokuudza soko kune vanhu.
Ngatichengete mumwoyo yedu
Rudo urwu rwaoniswa vanhu,
Ngatikudze Mwana waMaria
Kubva mudanga kuMuchinjiko;
Tinobatsirwa ndiTenzi Jesu
Dakara tichisvika kudenga.