Shona Anglican Hymn 36 Kwakati panguva yokutonga kwaHerodi mambo
KWAKATI panguva yokutonga kwaHerodi Mambo,
Tese ngatitunhidze Mwari, tese ngatitunhidzenokumuombera
Vafudzi vagere pamwoto vachifudza hwai usiku–
Mukupenya Ngerosi yakati,Musatye, ndaunza rufaro kune pasi —
Nhasi muBeterehema kwaberekwa KristuMuponisi wedu —
Iye Mwana unoyera kwazvowakabarwa mundiro yezvipfuwo —
Ngerosi dzaimba Mbiri kumusoro,rudo kuna vanhu, runyararo pasi —
Iye ari ruveneko rwedi mudima rezvitadzozvedu —
Wakatumwa ndiBaba kuzodaidza isu vana vake–
Denga, pasi nenyanza zvinokudza rudo rwake–
Iye wakabvuma kufa kuti tione ruveneko —
Ngatimuimbire rwiyo rutsva ngekutifira kwake–
Mwari anofadzwa ngerupinduko rwedu norudaviro–
Makristu namatirai vese vari mudima vaoneruveneko –
Mwari ari kumirira vese vari mudima kuuyamusangano –
Ndzvo ngaanzwe minamato yedu nhasi uno narini–