Shona Anglican Hymn 32 Pasi risati ravapo
PASI risati ravapo
Wakabarwa ndiBaba,
Ndimavambo namagumo,
Wakazvisika zvese
Zviripo, zviro zvekare,
Nezviro zvichavapo
Zvigare zvakadaro.
Takapfumiswa zvikuru
Ngekuberekwa kwake,
Izvo Maria Mhandara
Akabereka Tenzi;
Mwana M’ponisi wavanhu
Wakaonekwa pasi,
Zvigare zvakadaro.
Ndiye, wazivi vekare
Vakamukudza vese:
Vaprofiti vanoyera
Vakataura ndiye;
Ari kuuya, zvisikwa
Ngazvitunhidze Tenzi;
Zvigare zvakadaro.
Denga rese, virikidza;
Ngerosi tunhidzai;
Zviro zvese kotamai,
Mukudze Mwari wedu;
Vanhu vese vari pasi
Ngavaimbe pamwepo,
Zvigare zvakadaro.
Varume navakomana
Vese vakuimbire;
Vakadzi navasikana
Vapindure vafare;
Nziyo dzavo ngadzikwire
Nezvitendo zvomwoyo,
Zvigare zvakadaro
Kuna Kristu, kuna Baba,
Nokunewe Mweya,
Nziyo nezvitendo zvese
Ngazvipiwe narini,
Nokukurira kwese;
Zvigare zvakadaro.
Mbiri huru nokukudzwa