Shona Anglican Hymn 29 Vafudzi varikufudza
VAFUDZI vari mukufudza hwai usiku
Ngerosi inopenya yakadzika ngembiri,
Ichiti “Musatye”, ‘zvo vakanga vave kutya,
“Ndaunza kufara kunemi navanhu vese.
“Nhasi muBetrehema, kwaberekwa Kristu
M’ponisi wedu Tenzi worudzi rwaDavidi.”
“Mudanga rengombe imi muchaona Tenzi,
Uyo Mwana muduku wakarara mundiro.”
Ngerosi zhinji dzakasanganira naiyo
Kuvirikidza Mwari ngekufara, dzichiti:
“Mbiri ngaive kunaMwari uri kudenga;
Pasi pano runyararo kuna vanhu vese.”