Shona Anglican Hymn 242 Hatidi here Mai’we
1. HATIDI here Mai’we
Jesu anodisa;
Nokumukudza zvikuru
Mukukudza kwake.
2. Takange takasungiswa
Ngezvitadzo zvedu,
Dakara asvike pasi
Kuzotinunura.
3. Iye wakagashirazve
Unhu hwake ndiwe,
Munhuwo iye wakafa
Kutisunungura.
4. Iwe waimugumbata
Achichema kudya;
Zvinyoro wakamurera
Mwari munhu wedi.
5. Udzamu hwenyasha tsvene
Kuzvidzikisira;
Iwe Mai wakafara
Ngekudisa kwake
6. Rufaro rwako ngerwedi
Kubereka Tenzi,
Kuva wake muzviito
Namanzwi nepfungwa.
7. Tabvira kukudisazve,
Mudikanwi wedu,
Tinopa mbiri kunewe,
Pamusana paJesu.
8. Jesu, Mwana weMhandara,
Tinokuombera,
Umweyo naMwari Baba,
NoMweya narini. Amen.