Shona Anglican Hymn 231 Ngatiimbe ngekufara
1. NGATIIMBE ngekufara
Nyaya yeJerusarema;
Musha tinochiva kwazvo
Apo tiri mudambudzo.
Musha wokunaka kwese
Vanoyera varimo.
2. Rusvingo rwouyo musha
Rwakavakwa ngematombo
Ayo gumi namairi,
Ndivo avo Vapostori.
Mazambara ane ndoro
Haapfigwi narini.
3. Twana twese tunotamba
Mumagwanza endarama,
Rwizi rwoupenyu hwedi
Runofamba ruri umo,
Kune miti youpenyu
Inofadzisa vanhu.
4. Nyenye yakabairwesu
Inogara ichitonga
Musha unovenekerwa
Nge Maronda anembiri.
Zuva haripisi vanhu
Usiku hahusvipi.
5. Umo vari Vadzibaba,
Vaprofiti naVamambo.
Abrahama, naIsaka,
Jakabo, naSamueri,
Mozisi, naye Erija,
Isaya, naDavidi
6. Ona! Vapositori vese,
Vamatari, vadzidzisi,
Vabishopi, nadzo Mboo
Vakabva mudambudziko.
Franzisi naye Agasten,
Siprian, naGonsaro.
7. Vadzimai neMhandara
Vanogara naMaria;
Magdarene, Pepechuwa,
Monika, naFerisiti,
Vachifara nokuimba
“Mwoyo wangu” naMai.
8. Hama dzedu tingasvike
Sei kuvaona ivo?
Ngatidane savatsvene,
Nokuit’umboo hwedi,
Tichiramba zvakashata
Tichigara ngerudo.
9 Ngatikumbirewo kwazvo
Minamato yaVatsvene,
Kuti tibatsirwe zvino
Napanguva yokuguma;
Ndizvo tinoimba tese
Mbiri kuno Utatu. Amen.
§