Shona Anglican Hymn 216 Tendayi Mwari Mambo
1 TENDAI Mwari Mambo
Mukudzei ngendwiyo;
Mutsa wake mukuru
Unogara narini.
2 Mutenderei zuva
Rinopenya kudenga;
3 Nomwedzi unopenya
Nokuchena usiku;
4 Mutenderei mvura
Inokurisa njera;
5. Mwari wakapa minda
Ibereke michero;
6. Mutenderei zvipo
Zvokupupura kwedu;
7. NeChidyo Chinoyera
Chitsidzo chokudenga;
8. Mbiri kuno Musiki
Mambo wepfuma dzese;
Mbiri kuno Utatu,
Baba, Mwana, noMweya. Amen.