Shona Anglican Hymn 215 Musi uyo wokumuka
1 MUSI wokusuva kwazvo
Uyo takaudzwa kare
Zviro zvese zvichapiswa.
2 Vanhu vari kutya kwazvo,
Apo Tenzi anouya
Kuzotonga vanyangadzi.
3 Tsuri iri kudaidza
Mumakuva avakafa
Ichimutsa vanhu vese.
4 Vese vari kutenheka
Pasi rese richamuka
Richipindura Mutongi.
5 Ona, tsamba yoMutongi!
Zviro zvese zvakanembwa
Isu tichatongwa ndizvo.
6 Anouya kuzotonga
Hachivigwi chimwe chiro,
Zvese zvichazivikana.
7. Ini munyangadzi kwazvo
Ndichafadza Tenzi sei,
Kuti vese varikutya?
8. Mwari umambo hwese
Iwe wakatiponisa,
Tibatsire vanyangadzi.
9. Funga Jesu, Muponisi,
Iwe wakauya pasi
Kundibvisa muGehena.
10. Nhamo yako inokosha
Yakatenga vanyangadzi
Yakaitwa nhando here?
11. Tipe kuti mweya yedu
Icheniswe neRopa’ro
Isu tisatitatongwa.
12. Ndinochema nokubvuma
Mhosva nezvitadzo zvangu
Ndiponise, ndibatsire.
13. Iwe wakasunungura
Mbavha iri paM’chinjiko
Nomukadzi wakaipa.
14. Handigoni kunamata
Handigoni kupinduka
Asi Tenzi ndiponise.
15. Ndiise mudanga redi
Rine hwayi dzakanaka
Usandirase nembudzi.
16 Apo vanhu vakaipa
Vanopinda muGehena
Ndidaidze navatsvene .
17. Ona ndirikupfugama
Ona ndinosuva kwazvo
Ndiponise munyangadzi.
18. Musi wokuchema kwazvo
Vanhu vari kudaidzwa
Vanouya kuzotongwa.
19. Vaponise Tenzi Mwari.
Jesu Tenzi une nyasha
Vape runyararo rwako.