Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 193 Areruya! Kuna Jesu Lyrics

Shona Anglican Hymn  193  Areruya! Kuna Jesu

 

1. ARERUYA! Kuna Jesu

Kuna Mambo wedu.

Areruya! Mukuriri,

Une mbiri yese.

Vanhu vese ngavaimbe

Ndwiyo dzokufara,

Jesu wakatiponisa

Neropa rakewo.

2. Areruya! Hatichemi

Hatigari tega;

Areruya! Uri petyo

Tinokudavira.

Kana uchiri kudenga

Tinotondera izwi

Rechitsidzo chako kuti,

“Ndinemi narini.”

3. Areruya! Tenzi ndiwe

Chingwa chengirosi.

Areruya! Kudya kwedu

Toswendera petyo;

Tikumbirire M’ponisi

Une simba rese,

Apo vanoyera vese

Vari Kutunhidza.

4. Areruya! Unogara

Tenzi wavatenzi

Areruya! Munhu wedi

Mwana waMaria;

Ndiwe Chidyo choKudenga,

Ndiwe Muteuro,

Ndiwe Mupristi mukuru

Pasi nokudenga.

5. Areruya! Kuna Jesu

Kuna Mambo wedu.

Areruya! Mukuriri

Une mbiri yese.

Vanhu vese ngavaimbe

Ndwiyo dzokufara

Jesu wakatiponisa

Neropa rakewo.

Exit mobile version