Shona Anglican Hymn 189 Imbisai vanhu vese
1. IMBISAI vanhu vese
Tunhidzai Tenzi wedu,
Mufudzi wedu wedi
Wakatipa Sakaramende
Rinokosha romuviri
NeRopa rake redi
2. Chipo Chakakura kwazvo
Ichi chingwa cheupenyu
Kudya kwedu kweMweya;
Sezvo iye wakakupa
Kuna Vapostori vake,
Ichi chidyo chetsitsi
3. Ndizvo isu tinokudza
Tenzi wedu Jesu Kristu
Musakaramende rake
Isu tese vanhu vake
Tinofara kumuona,
Muponisi naMambo.
4. Zvino uri rutondedzo
Runova noMuteuro
WoMuponisi wedu
Ndizvo minamato yedu
Inosvika kunaBaba
NdiTenzi wedu Jesu
5. Ichi chingwa chinoyera
Chinosimbisa MaKristu
Ngeupenyu hwaTenzi.
Makristu enyika dzese,
Vadaviri vedi vese,
Vanosimbiswa ndiye.
6. Chingwa chedi chokudenga
Chidyo chedi, Muponisi,
Kudya kwomweya yedu,
Gutsa mweya yedu yese,
Tipe simba rako rese,
Dakara tikuone.