Shona Anglican Hymn 128 VaTsvene mumoyo
1. VATSVENE mumwoyo
Vachaona Mwari;
Mweya yavo iri musha
WoM’ponisi wavo.
2. Tenzi wakadzika
Kuunza upenyu
Anogara nokutiwa
SaMambo wavanhu.
3. Anozvipa zvino
Kuna vakatiwa
Anosarudza vatsvene
Kugara mavari.
4. Tenzi tinotsvaka
Ichi chipo chako
Tipweo mwoyo mitsvene
Umo ungagare.