Shona Anglican Hymn 121 Jesu wakaivaka
1. JESU wakaivaka
Chechi yepaiswo,
Ndiye wakaisika
Nemmvura neIzwi,
Kundoihwunaira
Akabva kudenga;
Ropa rakaitenga
Zvo akaifira.
2. Vanhu venyika dzese
Vari mairiwo,
Ina Tenzi mumweyo
Ruponiso rumwe;
Ine Zita rimwero,
Ine chidyo chimwe,
Inogashira nyasha
Mukugara kwayo.
3. Vanhu vanoishora
Dambudziko rayo,
Nokunyepa kwavanhu
Nezvitadzo zvavo;
Asi vese vatsvene
Vari kunamata,
Ndizvo kuchema kwayo
Kuchave kufara.
4 Mupfumvu dzese zhinji
Nomukurwa kwayo
Inogara zvino
Runyararo rwayo;
Dakara pakuguma
Ione kufara
Chechi yakanakisa,
Ichazororazve.
5 Inosangana zvino
NaMwari Mukuru,
Navariyo vatsvene
Vari kuzorora.
Tenzi, tipewo tsitsi,
Ndizvo pakuguma,
Tisvike pamwe navo
Tigare kudenga.