Shona Anglican Hymn 119 Jesu wakapfava
1. JESU wakapfava,
Mwana waMwari
Inzwa Muponisi
Kuchema kwedu
2. Utisunungure,
Bvisa majoti,
Uparadze zvese
Zvinotibata.
3. Tipe takuteta
Kusununguka
Ngatipinde tese
Mumusha wako.
4. Ndiwe nzira yedu
Titungamidze,
Tiunze kunyika
Yoruveneko.