Shona Anglican Hymn 10 Tinonamata kunewe
TINONAMATA kunewe
M’ponisi wavanhu vese;
Watichengeta nyamusi
Tichengetezve usiku.
Chiva petyo nesu Tenzi
Uponise vanhu vako;
Ubvise zvitadzo zvedu
Tivenekere mudima.
Mweya yedu kana mwoyo
Isabatwe ndiSatan;
Yerisa miviri yedu
Kuti timuke mangwana
Tine mwoyo yakachena.
Mbiri kunaMwari Baba
Mbiri kuno Mukorore,
Mbiri kuno Munyaradzi,
Mwari Mweya Unoyera.Amen