Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 74 SHE wakakunda papfumo kudzai Lyrics
1
SHE wakakunda papfumo kudzai!
Simba, nenjere, nefuma, ipai!
Ushe, kubwinya, nezvipo zvakadai,
Zvinofanirwawo SHE wakadai!
2
Ndiwakakwira kudenga uko,
Ndiwakabata ushe hwake’ po;
Ndiwakadzikwa korona, onai!
Unoimbirwawo nziyo, inzwai!
3
Denga kum’soro rofarira SHE;
Nyika naiyo yokudza iye;
Gungwa, makomo, maruva, zvose
Zvinoparidza rumbidzo yaSHE!
4
Jesu, Mufiri, timuimbirei;
Ngatisimuke, timuuchirei;
Kristu, Bwizana, watambura sei!
Bva wakamuka, timurumbidzei!