Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 67 Ndichamugamuchira Lyrics
1
Ndichamugamuchira
Nokuchingura nei?
Ndichamunamati-ra
Nokubatira sei?
SHE, mundiudze kwazvo,
Muchanakirwa nei?
Zvomunotenda nazvo,
Ndingamufadza sei?
2
VeZion vakawadza
Mashizha kareko;
Neni handingaregi
Kumuchingurawo;
Nomwoyo wangu wose
Ndichamuimbirai,
Ndinoda kumukudza,
Nokumurumbidzai!
3
Ndakanga ndakasungwa,
Madzikunure’ni:
Ndakanga ndakanyadzwa,
Ndamutswa, SHE, nemi;
Mandivigire fuma
Yabva kudenga’ko;
Ndiyo yokusaora,
Nokusaperawo.
4
SHE JESU uchauya
Kuzotongesazve;
Bva avo vakatenda
Havangazomutyi;
Uya-i Tenzi Jesu!
Kudenga tiisei,
Kwatichafara isu,
Tichinakirwa sei!