Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 307 Kugadzwa Kwavatariri Namadhikoni Lyrics
1
VaKristu vanodikanwa, munoziva kuti takambokuzivisai mazita ehama dzedu idzi
kuti dzakashanangurirwa mubato woutariri (noudhikoni) pakereke ino. Takati
kana kuno mumwe pakati penyu une shoko ringavadzivisa kuti vasagadziwa mibato
iyoyi, areve. Zvino zvakusina wakatiudza shoko rinonyunyutisa pamusoro pomumwe
waivava, tinovaisa pamberi penyu muzita raMwari.
Imi hama dzangu munogadzwa, navose vari pano, tererai ndichikududzirai
wavatariri (namadhikoni) sezvinoreva shoko raMwari.
**Vatariri**
Tinofanira kurangarira kuti pakereke paiva navatariri vamarudzi maviri. (1
Tim. 5:17) Vokutanga vakanga vari vafundisi veShoko vaiparidza Vhangeri
nokugovera sakramende. Vepiri vairisa nokubata kereke vachibetsera vafundisi
veShoko. Nomutoo wakadero veboka repiri vaibetsera vafundisi veShoko sezvaiita
vaRevi vachibetsera vaprista pamubato wetembere; bva mumwe nomumwe waiva
nomubato wake. Zvakanaka kuti varume vakadai vavepo vabetserane navafundisi
vose vagotarira kuti zvinhu zvakaipa zvirege kukanganisa kereke yaMwari.
**Mubato wavatariri unoti:**
**Wokutanga:** ndowokurisa kereke panhu pamwe navafundisi nokutarira zvakanaka
kuti mufambire womutendi mumwe nomumwe utenderane nokutaura kwake. Vanofanira
kungwarira vaya vasingafambi zvakanaka nokutarira kuti Sakramende dzirege
kushoorwa. Varayire vasingazvininipisi nokudzosera vakarashika kuna Mwari
nokukereke.
**Wepiri:** ndowokutarira kuti pakereke parege kubata munhu asati adaniwa
nomutoo wakafanira. Vabetsere vafundisi pamibato yose yokubetsera vaKristu
vachivanyaradza.
**Wetatu:** ndowokungwarira dzidziso dzavafundisi nemifambiro yavo kuti zvose
zvigoitwa nomutoo unorumbidzwa pakereke kuti dzidziso dzenhema dzirege
kudzidziswa.
**Madhikoni**
PaMabasa 6:1 tinoona mutangire womubato wamadhikoni. Ipapo tinorava kuti:
“Zvino pamazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki,
vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikirwa pakugoverwa
kwomusi mumwe nomumwe. Zvino vane gumi navaviri vakadana boka guru ravadzidzi
vakati: Hazvina kunaka kuti isu tirege shoko raMwari, tichiita basa-
ramatafura. Zvino hama dzangu, sarudzai pakati penyu varume vanomwe vanotendwa
navanhu, vazere noMweya nouchenjeri, vatingaisa pabasa iri. Asi isu
tichatsungirira pakunamata napabasa reShoko.”
Zvino tinoona kuti varume avo vakashanangurirwa basa rokuchengeta varombo kuti
vapostori vagogona kutsungirira paminyengetero napamubato weShoko.
**Zvino mubato wamadhikoni ndiwoyu:**
**Motsi:** Vanofanira kubata pabasa rokuunganidza zvipo zvose zvekereke,
vasingaiti nokumanikidza bva kuti varwadziwe mwoyo kuti zviya zvingabetsera
kereke zviwande.
**Piri:** Vatarire kuti zvipo zvose zvibetsere kufambisa basa raMwari
nokubetsera varombo nomutoo unotendiwa. Vabetsere nomwoyo munyoro.
Vasangovagovera zvavanoshayiwa paupenyu hwenyama bedzi asi vavavimbise
nokuvanyaradza neShoko raMwari uye neminyengetero Vafundisi panhu pamwe
navatariri namadhikoni vanoita Dare rekereke ravanofambisa nokuchengeta kereke
naro.
Zvino hama dzinodikanwa, chidavidzai vhunzo idzi kuti vose vagoona kuti
munogamuchira basa renyu nomufaro musinganyunyuti.
Ndinomuvhunzai imi vatariri (namadhikoni)
1. Ko munotenda mumwoyo menyu kuti makadanwa nekereke yaMwari uye naiye Mwari
amene, kuti mubate mubato uyu mutsvene here?
2.Ko mutenda kuti manyoro eTestamende yeKare neeTestamende Itsva ndiro Shoko
raMwari chairo here? Uye makarasha dzidziso dzose dzakatsauka here?
3. Ko munozvisunga kuti muchabata mubato wenyu nokutendeka nokururama,
dzidziso dzenyu nemifambire yenyu zvichiva zvinorumbidzwa here, imi vatariri
muchirisa kereke panhu pamwe navafundisi; (nemi madhikoni muchingwarira zvipo
zvekereke nokuchengeta varombo?
4. Ko munozvisunga kurarama nomutoo wakafanira muchitenda kuzviisa pasi
peshamhu yekereke kana muchinge mapara mhaka here?
**Davidzo:** Hongo, Mwari atibetsere
_Pashure paizvozvo mufundisi achati:_
Mwari Baba vesimba rose, amupei nyasha dzake kuti pamubato uyu mugare
nokururama, nokubereka zvibereko zvakanaka kuti zita raMwari rikudziwe uye
kuti ushe hwoMwanakomana wake huuye.
_Mashoko okusimbisa vatsva nechiunga chose:_
Zvino imi vatariri zvichenjerei neboka rose ramakaitirwa vatariri varo noMweya
Mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake. Murangarire
kudzivisa nokudzora mumwe nomumwe pakurashika kana kuisa vamwewo pakurashika.
Mubetserane navafundisi pamabasa ose oushe hwaMwari.
Nemi, madhikoni muve nemwoyo unoshingairira kuunganidza zvipo, nokuzvigovera
nokungwara nomufaro. Betserai vari munhamo, chengetai chirikadzi dzazvokwadi
nenherera; komborerai vanhu vose, zvikuru avo vari veimba yaMwari.
Zvino imi vatendi gamuchirai varume ava zvavari varanda vaMwari. Muvaterere
nokuvada nokuvapa kudzo kaviri sezvinoreva Shoko. Betserai madhikoni muchivapa
zvipo nenhendo dzenyu nomufaro. Imi vakakomborerwa naMwari pavhurirai
zvakawanda nomufaro musinganyunyuti; imi vachena mukudze vanokuchengetai, muve
nomwoyo wokuvonga musinganyunyuti. Teverai Kristu muchitsvaka zvokudya
zvomwoyo kupfuura zvokudya zvinopera.
Bva zvatinokoniwa tose kuita izvozvo nesimba redu ngatinyengeterei kuna Mwari
atibetsere.
**Munyengetero**
Mwari Baba vedu, tinomuvongai kuti munotishanangurira varanda venyu
vangabetsera kurisa ushe hwenyu pakati pedu. Tinokumbira kuti muvawedzere
nyasha dzingavabetsera kuita mubato wavo nokutendeka. Muvape njere nesimba
norudo pabasa ramakavadanira kuti vanhu venyu vasimbiswe pane zvomweya
nezvomuviri.
Betseraiwo chiunga chino chamakavaita vabati vacho, kuti vaterere kurayirwa
nokunyaradzwa. Ipai vane zvakawanda mwoyo wokugoverana navanoshayiwa, mupewo
varombo mwoyo wokuzvibetsera nokuvonga kuti zita renyu rigokudziwa uye kuti
ushe hwoMwanakomana wenyu Jesu Kristu huuye, uyu wakatidzidzisa kunyengetera
tichiti:
Baba vedu muri kudenga,
Zita renyu ngariitwe dzvene,
Ushe hwenyu ngahuuye,
Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sokudenga.
Mutipeiwo nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana
Mutiregererei mhosva dzedu,
Sezvatinoregererawo vane mhosva nesu.
Musatiisa mukuedzwa, asi mutinunurei pano wakaipa.
Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba, nokubwinya kusvikira kusingaperi.
Amen.