Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 243 Madzimai akauya Lyrics
1
Madzimai akauya
Navana kuna Jesu,
Vadzidzwa vakaramba sei
Vachiti: Chiendai!
Bva Jesu achiona ’zvo
Wakavadana achiti:
:/: “Yana vadoko kwendiri
uyai.” :/:
2
“Ndichavagamuchira
Nokuvafungatira,
Ndichavarisa vana ’va,
Munovadzingirei?
Kana votenda kundida
Kudenga vachava neni.
:/: “Vana vadoko, kwendiri
uyai.” :/:
3
Vana avo vauya
Vaiswe kuna Jesu,
Bva kuna vakawandawo
Vasingazivi ’ye.
Shoko raJesu haripo,
Havarizivi zvareva SHE.
:/: “Vana vadoko kwendiri |
uyai.” :/:
4
Navahedheni vose
Vapamarudzi ose,
Vatende kuna Jesu SHE,
Midzimu varashei.
Muvavhenekerei imi
Vaone rudo rwenyu, SHE.
:/: “Vana vadoko kwendiri
uyai.” :/: