Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 133 Ndakarwirwa nemi Jesu Lyrics
1
Ndakarwirwa nemi, Jesu;
Ndakatengwa ha…..ngu!
Ndinotenda Shoko renyu,
Handizovi wa…..ngu!
**KOROSI**
Ndakasunungurwawo,
Jesu, ndava we…..nyu,
Zvose zvose ndozviisa
Pamakumbo e…..nyu.
2
Ndakarwirwa, zvino, Jesu.
Ndinozvipa ha…..ngu;
Ndodo kumutenda chose,
Handizovi wa…..ngu.
3
Ndakarwirwa, simba rose
Ndakapa SHE wa…..ngu.
Kushumira iye oga,
Handizovi wa…..ngu.
4
Ndakarwirwa, ndava waSHE,
Chose paruzi…..ma;
Ndichandomuona uko,
Ndigomurumbi…..dza.
5
Mweya Wakashananguka.
Zadza mwoyo ye…..du;
Kuti tose tigoreva:
Hatizovi ve…..du!