Shona Baptist Hymns
Hymn 121 Rakanaka Iro Zuva
1
Rakanaka iro zuva
Randakatenda kuna She;
Mwoyo wangu unofara,
Ndinoudza vanhu yose.
KORASI
Ndofara, ndofara,
Nokuti ndakashambidzwa,
Jesu wakandidzidzisa,
Kutsunga nokuteura,
Ndofara, ndofara,
Nokuti ndakashambidzwa
2
Chitenderano chitsvene
Chinondisunga kuna She,
Ngaizadzwe Imba yake,
Nenziyo dzingamukudze.
3
Basa guru rakapedzwa,
Ari wangu, ndiri wake;
Ndinofara kumubvuma,
Ndayevedzwa ne’zwi rake.
4
Mwoyo wangu uzorore,
Neichi chitenderano;
Urege kusiya Ishe,
Iye anadzo nduramo.
Nokudenga wakachinzwa
Ichi chivimbiso changu;
Achachinzwa misi yose,
Dakara rusvike rufu.