Shona Anglican Hymn 33 Karekare Chando
KAREKARE chando chakachena kwazvo.
Mhepo yakahwinya, ichitonhoresa.
Karekare kwazvo, Tenzi Mwari wedu
Wakabarwa pasi, kuponesa vanhu.
Danga harikwani Tenzi Mwari wedu,
Iye achatonga zvese zvakasikwa;
Asi danga duku umo akabarwa
Rakakwana Jesu, Tenzi Mwari wedu.
Kudenga ngerozi dzinomuombera;
Pasi wakaamwa zamu raMaria.
Kudenga, ngerozi dzinomutunhidza;
Pasi wakakudzwa ngebemhe nengombe.
Hationi apo hondo dzengerozi
Asi San’Josefa navafudzi basi;
Mai wake ega achitsvoda mwana
Nokumuombera Mwari wake wedi.
Chii ndingakupe Jesu mudikani?
Ndinoshaya nyenye, chipo chavafudzi,
Zvipo zvaVazivi zvese handinazvo,
Asi ndinokupa mwoyo wangu wese.