Shona Anglican Hymn 259 YeSakaramende rakakomborerwa
1. MWARI Baba, Mwari Mukorore,
Mwari Mweya, Vatatu munoMumwe,
Isu varombo, zvino takuteta,
Tiponise Utatu.
2. Mwari waMwari, Mambo une mbiri,
Tenzi wesimba; wakabarwa pasi
NgeMhandara pamsana pavanhu;
Tinzwe Muponisi.
3. Mufudzi uyo Baba akatuma
Kundotsvaka hwai dzakarasika.
Mupristi wedu wakasotaurwa;
4. Mambo weSarem, noMupristi wedu
Chingwa neWaini zvakaunzwa ndiwe.
Nyenye yePasika yakapirwa vanhu,
5. Mana yanongwa mangwanani kwazvo,
Kudya kwerwendo, Kudya kwengerosi,
Kwawakapa kune vanhu vako kare;
**Chidimbu 2**
6. Ngerudo urwo rwakagadza kudya,
Muviri neropa rinokosha,
Usati watifira paM’chinjiko;
7. Nokufa kwako kunokosha kwazvo
Kwakatiripa, kwakatiponisa,
Kwakatibvisa kubva muzvitadzo,
8. Nokuonekwa kwaMaronda ako
Ayo anotikumbirira isu
Nguva dzese apo tinorunzirwa,
**Chidimbu 3**
9. Kuti tigare nguva dzese zvino,
Tichiyeuka Rwizi rweKedroni,
NeGomo rinoyera reKarvari;
Tipe Muponisi.
10. Kuti panguva apo tinoona
Nhamo noKufa’ zvo takaitirwa
Mwoyo yedu izare nokudisa;
11. Kuti tigare nokuzvirereka
Tichirindira Iwe paOtari,
Tidavire kana tisingaoni;
12. Kuti Muviri neRopa rako
Zvizove kudya kwedu pasi pano;
Kuti tigutswe noUpenyu hwako;
13. Kuti mumazwi, namabasa ese,
Mupfungwa, nemiviri nomumweya
Tikutunhidze Tenzi unodiwa;
14. Kuti panguva tirikuda kufa
Iwe uzove Simba noMudonzvo.
Takateta tinzwe.