Shona Anglican Hymn 244 Kristu Mwari wedu
1. KRISTU, Mwari wedu,
Takuimbira.
Ngekukudzwa kwedi
KwaMai wedu.
2. Diti raMaria
Rachena kwazvo
Apo Tenzi Jesu
Wakatseyama.
3. Uyu wakaitwa
Mai waTenzi.
Achakudzwa kwazvo
Ngendudzi dzese.
4. Unopinda zvese,
Ngembiri yako,
Mai neMhandara,
Tinokukudza.
5. Tsitsi dzakapiwa,
Kuna Maria,
Isu ngatipiwe,
Tsitsi dzaJesu.
6. Muupenyu hwedu,
Ngatibatsirwe.
Kuti tikuone,
Pakufa kwedu.
7. Mwana waMaria,
Mbiri kunewe,
Mbiri kuna Baba,
NokuMweyazve. Amen.