Shona Methodist Hymns
Hymn 48 Hakuna zita seraJesu Lyrics
Hakuna zita seraJesu
Kana nekudenga,
Hakuna rimwe rakadaro,
Zita roM’ponisi.
**CHORUS**
Tinoda kuimbira Jesu
Tichimupa mbiri;
Nokuti hatizive zita
Rinokunda iri.
NdiJesu wakafira vose,
Wakatida kwazvo;
Zvatanga takaraswa tose
Nezvitadzo zvedu.
NdiJesu wakaita nyasha
Takamukanganwa;
Wakati: ‘Enda zvako mwana’,
Usazotadzazve.
NdiJesu wakatiudzira
Kutunhidza Mwari,
Nokusarura vashamwari
Vakanaka chete.
NdiJesu wakarapa vanhu
Akavasimbisa;
Jesu wakadzosera vafi
Kune hama dzavo.
NdiJesu anoenda nesu
Kwose tinoenda;
NdiJesu anotibatsira
Muupenyu hwedu.