{"id":2265,"date":"2025-12-14T20:15:34","date_gmt":"2025-12-14T20:15:34","guid":{"rendered":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/2025\/12\/14\/hymn-306-waniso-lyrics\/"},"modified":"2025-12-14T20:15:34","modified_gmt":"2025-12-14T20:15:34","slug":"hymn-306-waniso-lyrics","status":"publish","type":"post","link":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/nziyo-dzekereke-rcz-hymnal\/hymn-306-waniso-lyrics\/","title":{"rendered":"Hymn 306 Waniso Lyrics"},"content":{"rendered":"<p>Nziyo Dzekereke RCZ hymnal<\/p>\n<p>Hymn 306 Waniso Lyrics<\/p>\n<p>&nbsp;<\/p>\n<p>1<br \/>\nHama dzangu,<br \/>\nImi, &#8230;&#8230;..na&#8230;&#8230;.. mauya pano kuti muwaniswe muzita raMwari, saka<br \/>\nchitererai zvino zvinoreva Mwari pamusoro pewaniso tsvene.PaTestamende yeKare<br \/>\ntinorava kuti Mwari wakati, hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga,<br \/>\nndichamuitira mubatsiri wakamukwanira. Saka Mwari wakaumbira Adama mukadzi<br \/>\nnorumbabvu rwake rwaakatora iye Mwari amene akakumikidza mukadzi kuna Adama<br \/>\nnoruoko rwake. Saka zivai kuti waniso chinhu chinofadza Mwari nokuti zvaakapa<br \/>\nAdama mukadzi kuti ave mukadzi wake anodawo kupa mumwe nomumwe mukadzi<br \/>\nwakamufanira kuti ave mukadzi wake.<\/p>\n<p>PaTestamende Itsva Jesu wakati: Mwari wakavasika pakutanga, wakavaita murume<br \/>\nnomukadzi. Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake,<br \/>\nakabatanidzwa nomukadzi wake; vaviri ava vachava nyama imwe. Saka chiya Mwari<br \/>\nchaakabatanidza, munhu ngaarege kuchiparadzanisa. Ani nani anoramba mukadzi<br \/>\nwake kunze kwemhosva youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe, naanowana<br \/>\nwakarambwa, anoita upombwe.Mashoko iwawa anotidzidzisa kuti ndiko kuda<br \/>\nkwaMwari kuti vaKristu vawaniswe nomutoo wakafanira uye kuti murume mumwe ave<br \/>\nnomukadzi mumwe oga; vasaita savahedheni vanowana vamwe. Tinodzidzawo<br \/>\npamashoko awa kuti waniso youkristu zvayakavambwa nokusimbiswa naMwari,<br \/>\nhaifaniri kungoputswa asi nemhaka youpombwe yoga.<\/p>\n<p>Ngatitarire zvino chinovavarira Mwari newaniso tsvene. Anoda kuti vakawaniswa<br \/>\nvagare zvakanaka, vachibetserana pane zvose zvoupenyu hwapano pasi<br \/>\nnapakushumira Mwari. Anodawo kuti kana vava navana, vatungamirire vana vavo<br \/>\npanzira yaMwari, kuti iye Mwari akudzwe uye kuti vana vaponeswe. Uyezve,<br \/>\nnokuda kwoupombwe, Mwari wakati, murume mumwe nomumwe ave nomukadzi wake, uye<br \/>\nmukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake. Saka Mwari anoda kuti vose vari<br \/>\nvaviri vagare nehana dzakagadzikana vachinzvenga zvose zvesvina kuti tembere<br \/>\nyaMwari, iyo miviri yavo irege kusvibiswa.<\/p>\n<p>Chitererai zvino kuti murume nomukadzi vanorayirwei neShoko raMwari pamusoro<br \/>\npezvavanofanira kuitirana,<\/p>\n<p>_Zvino mufundisi achati kumurume:_<\/p>\n<p>Iwe murume, ziva kuti Mwari wakakuita musoro womukadzi wako, kuti<br \/>\numutungamirire nenjere, ugomudzidzisa nokumunyaradza uchimuchengeta sezvinoita<br \/>\nmusoro womunhu, uchibata muviri wose, sezvinoitawo Kristu achibata kereke<br \/>\nyake. Ugare naye norudo, uve murume akangwara usingamuitiri hasha, umukudze,<br \/>\nuchiziva kuti haane simba. Rangarirawo kuti iwe nomukadzi wako muri vadyi<br \/>\nvenhaka yenyasha dzaMwari.<\/p>\n<p>_Zvino mufundisi achati kumukadzi:_<\/p>\n<p>Newewo mukadzi ude murume wako nokumukudza uchimuterera pane zvose zvakarurama<br \/>\nsezvinoita muviri womunhu achiterera musoro; sezvinoitawo kereke ichiterera<br \/>\nKristu. Uve mubatsiri womurume wako pane zvose zvakanaka, uchingwarira imba<br \/>\nyako, pakutaura kwako nemibato yako. Ufambe zvakanaka nokunyara kwakafanira<br \/>\nuchizvichengeta nokuratidza vamwe makwara akanaka.<\/p>\n<p>_Mufundisi achati kuna vanowaniswa:_<\/p>\n<p>Batanai ruoko rworudyi (murambe makabatana).<\/p>\n<p>_Achati. kumurume:_<\/p>\n<p>Iwe&#8230;. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti<br \/>\nndinowaniswa zvino nomukadzi uyu wandakabata ruoko rwake, kuti ave mukadzi<br \/>\nwangu chose. Ndinotenda kuti ndichamuda nokumuchengeta, nokusamurasha nyange<br \/>\nkuwedzera vamwe vakadzi; ndichagara naye misi yose, ndiri murume mutendi,<br \/>\nsezvandinorayirwa neShoko raMwari.<\/p>\n<p>_Achati kumukadzi:<\/p>\n<p>_<\/p>\n<p>Iwewo&#8230;. ureve uchiti: Ndinotenda pamberi paMwari nezvapupu zviri pano, kuti<br \/>\nndinowanikwa zvino nomurume uyu wandakabata ruoko rwake kuti ave murume wangu<br \/>\nchose. Ndinotenda kuti ndichamuterera nokumubetsera nokusamurasha. Ndichagara<br \/>\nnaye ndiri mukadzi mutendi sezvandinorayirwa neShoko raMwari.<\/p>\n<p>**Ropafadzo**<\/p>\n<p>Baba venyasha vakakudanirai kuwaniso iyi tsvene vamushonganisei irudo<br \/>\nrwazvokwadi, vamukomborerei. Amen.<\/p>\n","protected":false},"excerpt":{"rendered":"<p>Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymn 306 Waniso Lyrics &nbsp; 1 Hama dzangu, Imi, &#8230;&#8230;..na&#8230;&#8230;.. mauya pano kuti muwaniswe muzita raMwari, saka chitererai zvino zvinoreva Mwari pamusoro pewaniso tsvene.PaTestamende yeKare tinorava kuti Mwari wakati, hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga, ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira. Saka Mwari wakaumbira Adama mukadzi norumbabvu rwake rwaakatora iye Mwari amene akakumikidza [&hellip;]<\/p>\n","protected":false},"author":1,"featured_media":0,"comment_status":"open","ping_status":"open","sticky":false,"template":"","format":"standard","meta":{"footnotes":""},"categories":[119],"tags":[],"class_list":["post-2265","post","type-post","status-publish","format-standard","hentry","category-nziyo-dzekereke-rcz-hymnal"],"amp_enabled":true,"_links":{"self":[{"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/posts\/2265","targetHints":{"allow":["GET"]}}],"collection":[{"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/posts"}],"about":[{"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/types\/post"}],"author":[{"embeddable":true,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/users\/1"}],"replies":[{"embeddable":true,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/comments?post=2265"}],"version-history":[{"count":0,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/posts\/2265\/revisions"}],"wp:attachment":[{"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/media?parent=2265"}],"wp:term":[{"taxonomy":"category","embeddable":true,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/categories?post=2265"},{"taxonomy":"post_tag","embeddable":true,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/tags?post=2265"}],"curies":[{"name":"wp","href":"https:\/\/api.w.org\/{rel}","templated":true}]}}