{"id":2261,"date":"2025-12-14T20:15:34","date_gmt":"2025-12-14T20:15:34","guid":{"rendered":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/2025\/12\/14\/hymn-302-bhapatidzo-yavakuru-lyrics\/"},"modified":"2025-12-14T20:15:34","modified_gmt":"2025-12-14T20:15:34","slug":"hymn-302-bhapatidzo-yavakuru-lyrics","status":"publish","type":"post","link":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/nziyo-dzekereke-rcz-hymnal\/hymn-302-bhapatidzo-yavakuru-lyrics\/","title":{"rendered":"Hymn 302 Bhapatidzo Yavakuru Lyrics"},"content":{"rendered":"<p>Nziyo Dzekereke RCZ hymnal<\/p>\n<p>Hymn 302 Bhapatidzo Yavakuru Lyrics<\/p>\n<p>&nbsp;<\/p>\n<p>1<br \/>\nHama dzangu,<br \/>\nKana vari vana vadoko vavaKristu vanobhapatidzwa kunyangwe vasingagoni<br \/>\nkunzwisisa, nokuti Mwari anoita chitenderano navabereki vanotenda chinobata<br \/>\npavana vavowo. Asi vanhu vakuru havangabhapatidzwi vasina kunzwisisa. Vakuru<br \/>\nvangabhapatidzwa koga kana vachema zvivi zvavo nokuzvirasha vachitenda kuna<br \/>\nJesu Kristu. Johane mubhapatidzi waingobhapatidza vaya vaireurura zvivi zvavo.<br \/>\nNaiye Ishe wedu Jesu Kristu wakarayira vadzidzi vake kuti vandodzidzisa<br \/>\nmarudzi ose vachivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya<br \/>\nMutsvene; akapikira kuti avo vanotenda vakabhapatidzwa vachaponeswa. Saka<br \/>\nvapostori vake havazaibhapatidza vanhu vakuru vasati vazvireurura zvivi zvavo<br \/>\nnokutendeuka. Imi, muri pano, munoda kubhapatidzwa kuti chive chiratidzo<br \/>\nchokuti makagamuchirwa mukereke yaKristu. Saka chitererai mashoko awa: Mumwe<br \/>\nnomumwe agoadavidza, zvigoonekwa kuti imi munoda kuita mifambire yakanaka<br \/>\nnenyasha dzaMwari.<\/p>\n<p>1. Unotenda here Mwari wamazvirokwazvo iye Baba noMwanakomana noMweya<br \/>\nMutsvene; unotenda kuti ndiye wakasika kudenga napasi nezvose zviri mukati<br \/>\nmazvo uye unozvichengeta pasina chinhu chinoitika kudenga napasi kunze kwokuda<br \/>\nkwake. Unozvitenda here?  <\/p>\n<p>**Davidzo:** Hon\u2019o.<\/p>\n<p>2. Unotenda here kuti wakaponerwa muzvivi usingagoni kuita zvakanaka<br \/>\nuchingorerekera zvakaipa, uye kuti wakadarika mirayiro yaMwari ruzhinji<br \/>\nuchizviita nemirangariro yako namashoko ako, nemibato yako. Unochema zvivi<br \/>\nizvozvi nomwoyo wose here?  <\/p>\n<p>**Davidzo:** Hon\u2019o.<\/p>\n<p>3. Unotenda mashoko awa pamusoro paJesu Kristu, anoti, ndiye Mwari<br \/>\nzvirokwazvo ari munhuwo zvirokwazvo; ndiye Muponesi wako anokupa kanganwiro<br \/>\nyezvivi muropa rake; iwe uchiitwa mutezo waKristu nowekereke yake nesimba<br \/>\nroMweya Mutsvene. Unotenda mashoko awa here?  <\/p>\n<p>**Davidzo:** Hon\u2019o.<\/p>\n<p>4. Unotenda dzidziso dzose dzouKristu, sezvadzinodudzirwa nekereke ino<br \/>\nyaKristu: unozvisunga kutsungirira padzidziso idzi kusvikira parufu rwako,<br \/>\nuchiramba dzidziso dzose dzenhema, uyezve unotenda kutsungirira pakereke ino<br \/>\nuchidya Chirayiro chaShe. Unotenda mashoko awa ose here?  <\/p>\n<p>**Davidzo:** Hon\u2019o.<\/p>\n<p>5. Unozvisunga nomwoyo wose kuti uchafamba nomutoo wakafanira muKristu,<br \/>\nuchirasha zvenyika nemirangariro yakaipa, uye uchizvininipisa kana uchinge<br \/>\nworangwa here?  <\/p>\n<p>**Davidzo:** Hon\u2019o<\/p>\n<p>Mwari mukuru wounyoro akuitire nyasha kuti utsungirire pane zvose zvawatenda<br \/>\nzvino.<\/p>\n<p>_Mufundisi achabhapatidza achiti:_<\/p>\n<p>Ndinokubhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene. Amen.<\/p>\n","protected":false},"excerpt":{"rendered":"<p>Nziyo Dzekereke RCZ hymnal Hymn 302 Bhapatidzo Yavakuru Lyrics &nbsp; 1 Hama dzangu, Kana vari vana vadoko vavaKristu vanobhapatidzwa kunyangwe vasingagoni kunzwisisa, nokuti Mwari anoita chitenderano navabereki vanotenda chinobata pavana vavowo. Asi vanhu vakuru havangabhapatidzwi vasina kunzwisisa. Vakuru vangabhapatidzwa koga kana vachema zvivi zvavo nokuzvirasha vachitenda kuna Jesu Kristu. Johane mubhapatidzi waingobhapatidza vaya vaireurura zvivi [&hellip;]<\/p>\n","protected":false},"author":1,"featured_media":0,"comment_status":"open","ping_status":"open","sticky":false,"template":"","format":"standard","meta":{"footnotes":""},"categories":[119],"tags":[],"class_list":["post-2261","post","type-post","status-publish","format-standard","hentry","category-nziyo-dzekereke-rcz-hymnal"],"amp_enabled":true,"_links":{"self":[{"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/posts\/2261","targetHints":{"allow":["GET"]}}],"collection":[{"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/posts"}],"about":[{"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/types\/post"}],"author":[{"embeddable":true,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/users\/1"}],"replies":[{"embeddable":true,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/comments?post=2261"}],"version-history":[{"count":0,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/posts\/2261\/revisions"}],"wp:attachment":[{"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/media?parent=2261"}],"wp:term":[{"taxonomy":"category","embeddable":true,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/categories?post=2261"},{"taxonomy":"post_tag","embeddable":true,"href":"https:\/\/treasurehymns.com\/shona\/wp-json\/wp\/v2\/tags?post=2261"}],"curies":[{"name":"wp","href":"https:\/\/api.w.org\/{rel}","templated":true}]}}