Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 96 Wandiitirei Jesu? Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 96 Wandiitirei Jesu? Lyrics

 

Wandiitirei Jesu?
Ona! waburuka denga,
Wasiya umambo uko
Kuti ndive muupenyu.

**CHORUS**
Ndiye Jesu! Ndiye Jesu!
Mununuri ano rudo,
Anondipa nhaka uko,
Kune nzvimbo inopenya.

Wakandiitireizve
Wandibvisa mukutadza
Wakawana chinhu here?
Kwete! wakauraiwa.

Aripiko Jesu zvino?
Wakakwira pakudenga,
Achazodzoka kakare
Noumambo nokubwinya.

Ndinomuda Jesu here?
Hongu! Ndinomudisisa!
Ndichamuona pachake
Narini ndimurumbidze.

Tingamuzive seiko?
Dzokai mumutevere,
Haarambe munhu kwete
Chimbidzai mumugam’chire.

 

Exit mobile version