Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 91 Mwari nedzo tsitsi dzenyu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 91 Mwari nedzo tsitsi dzenyu Lyrics

 

Mwari nedzo tsitsi dzenyu
Makatipa dama renyu,
Iro dama renyu guru,
Rinobva iko kudenga.

Iro rinotidzidzisa,
Iro rinotifadzisa,
Rinobvisa rima rose
Rinouyisa chiedza.

Taifamba pane nzira
Inoenda kuna rufu.
Dama renyu rakasvika,
Tinovonga nazvo chose

Neri dama tapindutswa,
Neri dama taponiswa,
Rakatidzora pazvivi,
Kuti tiende kudenga.

Ngarifambe iri dama,
Ngadzirinzwe nyika dzose,
Ridzidzise vanhu vose
Vari kune nzvimbo dzose.

 

Exit mobile version