Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 90 Heri dama rokudenga Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 90 Heri dama rokudenga Lyrics

 

Heri dama rokudenga
RoMusiki wedu,
Ngatirinzwise zvikuru
Nayo mwoyo yedu.

Rinoreva nguva dzose
Nokuipa kwedu,
Rinotiratidza isu
Zvourema hwedu.

Chakaipa imharadzi
Chinotiparadza;
Asi Jesu ndiye Shoko
Rinotiponisa.

Ndero kuti ngatidzoke
Pakuipa kwedu;
Tizvirasire kwaari
Muponisi wedu.

Ngatibatirire iye
Nokushingirira;
Tinoponiswa naiye
Mune chakaipa.

Nhasi ndiro zuva rake
Rokutiponisa;
Wamira nengoni dzake
Kuti atifadze.

Ngatimuke tigam’chire
Iri dama rake
Anozotiropafadza
Nokutiponisa.

 

Exit mobile version