Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 86 Izwi renyu Mwari Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 86 Izwi renyu Mwari Lyrics

 

Izwi renyu Mwari
Ranzwikwa nerima
Raparara;
Tinzwe isu nhasi
Kuti nyika dzose
Dzisati dzarinzwa
Dziyedzerwe.

Makauya Jesu
Nesimba no’penyu
Kuponisa;
Mapofu mumwoyo
Akarapwa nemi,
Itai pasi pose
Payedzerwe.

Mweya wechokwadi
Upenyu norudo,
Chiburukai;
Pararirai kwese
Nomwenje wengoni;
Nzvimbo ine rima
Iyedzerwe.

Mwari mumwe chete,
Vatatu Mutsvene,
Mwari wedu;
Muri ngoni dzose
Norudo, nesimba.
Nokubwinya kose,
Tiyedzere!

 

Exit mobile version