Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 8 Makasika zvose zvinhu Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 8 Makasika zvose zvinhu Lyrics

 

Makasika zvose zvinhu,
Imi Mwari moga;
Pasina wakuyamurai
Kuzviita kwenyu.

Aya makomo amire
Akasikwa nemi;
Akamira akasimba
Nokutsigwa nemi.

Nayo mvura yatinonwa
Takapiwa nemi;
Nako kudya kwatinodya
Takapiwa nemi.

Makasika vanhu imi
Nokufana nemi:
Mukavapa zvinhu zvose
Zvikavakodzera.

Nhasi vose vanotenda
Nezvi zvipo zvenyu;
Tipei mwoyo inokudai
Sokutida kwenyu.

 

Exit mobile version