Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 77 Mweya Mutsvene waMwari Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 77 Mweya Mutsvene waMwari Lyrics

 

Mweya Mutsvene waMwari!
Garai muno mumba,
Burukai zvino nesimba,
Uyai Mweya, uyai.

Uyai Mweya, kufanana
Kupenya kwezuva;
Vhenekerai mwoyo yedu,
Onisai kuipa.

Onisai rushavashava
Nezvirwere zvose
Titungamirei panzira
Panenda vatsvene.

Uyai serimi romoto,
Pisai mwoyo yedu,
Tichive zviteuriro
Kuna Ishe wedu.

Uyai Mweya kufanana,
Dova rokudenga,
Mwoyo isingabereke
Ive namapudzi.

Uyai senjiva yedenga,
Mutivhumbamire
Namapapiro orudo
Noruregerero.

Uyai sedutu remhepo
Nesimba renyasha,
Kuti vanhu vakuonei,
Noutsvene hwenyu.

Uyai Mweya wokudenga
Mukugara kwedu;
Mutiite musha wenyu,
Uyai, Mweya, uyai.

 

Exit mobile version