Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 7 Jehovha ana masimba Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 7 Jehovha ana masimba Lyrics

 

Jehovha ana masimba,
Zvose zvakasikwa naye;
Ndiye Ishe wavo vose
Ivo variko kudenga.

Jehovha ano ruzivo,
Anoziva zvose zvinhu;
Isu vanhu hatizive,
Hapana chatinogona.

Jehovha wakarurama,
Naiyo mirau yake;
Nyamba isu takatadza,
Tine mhosva mberi kwake.

Jehovha ari mutsvene,
Takaipa mberi kwake;
Ngatikumbire kwaari
Rwose ruregero rwake.

Jehovha anadzo ngoni,
Wotibata nadzo tose:
Wakauya Mwana wake
Kuponisa vanhu vose.

 

Exit mobile version