Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 69 Namangwanangwana Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 69 Namangwanangwana Lyrics

 

Namangwanangwana
Yaburuka pasi
Ngirozi yaIshe
Yasaira ibwe.
Simudzai mazwi mose,
Murumbidzei, wamuka She.

Vachengeti vanzwa
Nokutya kukuru,
Vakawira pasi
Vakange vakafa.

Wamuka pakufa
Kusingaonekwe,
Wakurira guva
Tenzi wazvo zvose.

Vana vokuyedza
Simukai naye;
Ndiye nyamatsatsi
Anotipenyera.

Chisiyai muguva
Kuipa kwakare;
Vigwai pamwe naye;
Murarame naye.

Tinoimba Tenzi
Nemwoyo nesimba;
Isu tiri venyu
Imi muri wedu

 

Exit mobile version