Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 68 Ndinobva kwamuri ndoenda kudenga Lyrics

Shona Methodist Hymns

Hymn 68 Ndinobva kwamuri ndoenda kudenga Lyrics

 

Ndinobva kwamuri, ndoenda kudenga,
Ndoenda kuimba yababa;
Mumba yavo tsvene, imba yorufaro,
Ndinokugadzirirai nzvimbo.

Kana ndichienda, ndinozouyazve,
Handikusiye muri moga;
Asi ndinozokugamchirai ini,
Kuti mugovapowo pandiri.

Iri’zwi raMambo, izwi rorufaro,
Farai,vaKristu farai!
Ishe wakaenda, asi achadzoka,
Apinze kudenga imi mose.

Ipapo tinozogara pautsvene,
Navazhinjizhinji chokwadi;
Tinozoimbawo, tiri pamwe chete,
Tichikudza Ishe wokudenga.

 

Exit mobile version